Nokudaro hapachisina anopiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti muna Kristu Jesu mutemo waMweya woupenyu wakandisunungura kumutemo wechitadzo noworufu. Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa. Izvi zvakaitirwa kuti zviri pamwero zvinodiwa nomutemo zvizadzikiswe matiri isu tisingagari upenyu hwenyama asi upenyu hwomweya nokuti vanogara upenyu hwenyama pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvenyama asi vanogara upenyu hwomweya pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvomweya. Kutorwa mwoyo nezvinhu zvenyama rufu. Asi kuisa mwoyo wako kune zvomweya upenyu norugare nokuti mwoyo wakapindwa nezvenyama unovengana naMwari, hauzviisi pasi pomutemo waMwari. Izvo zviri izvowo, haungakwanisi kuita saizvozvo. Avo vanoda kuzvifadza nyama dzavo havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamusipo kuzvifadza nyama yenyu. Imi muina Mweya Mutsvene, kana Mweya waMwari ari mamuri zvechokwadi. Ani nani asina Mweya waKristu, haasi wake. Asi kana Kristu ari mamuri, kunyange miviri yenyu yakafa nokuda kwechitadzo, mweya yenyu mipenyu pamusana poururami. Kana Mweya waiye akamutsa Jesu muvafi achigara mamuri, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa achapa upenyu kumiviri yenyu inofa nokuna iyewo Mweya anogara mamuri. Saizvozvo, hama, dzangu hatina chikwereti kunyama kuti tigare upenyu hwenyama nokuti ukagara upenyu hwenyama, uchafa asi kana ukauraya, naMweya, zviito zvomuviri uchararama.
Verenga chikamu Varoma 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 8:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo