Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi. Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu.
Verenga chikamu VaRoma 3
Terera ku VaRoma 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaRoma 3:19-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo