VaRoma 3:19-26
VaRoma 3:19-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi. Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu.
VaRoma 3:19-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurayiro; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurayiro; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurayiro. Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaporofita; ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda; nokuti havasiyani, nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari. Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu; iye akagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu.
VaRoma 3:19-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino tinoziva kuti chose chinotaurwa nomutemo chinonanga avo vari pasi pomutemo iwoyo kuti pasave naanombopati bufu kuti pasi pabvume muteto pana Mwari nokuti hapana munhu anoruramiswa pamberi pake nezvisungo zvomutemo pamusana pokuti mutemo, chawo kuzivisa vanhu zvechitadzo. Zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena zvisinei nomutemo kunyange zvazvo mutemo navaporofita zvichiupupurira. Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe. Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu. Mwari akaronga kuti neropa rake ave ndiye wokuripira naye zvitadzo zvichiitika pamusana pechitendero. Izvi zvakaitirwa kuti kururama kwaMwari kuratidzwe pachena nokuti pamusana pemwoyo murefu wake zvitadzo zvakare akazviti zvingopfuura zvazvo kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu.
VaRoma 3:19-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino tinoziʋa kuti ɀose ɀinorebga nomurairo, unoɀitaura kunaʋose ʋari pasi pomurairo; kuti miromo yose idziʋirwe, nenyika yose iʋe nemhoȿa pamberi paMŋari. Nokuti hakunenyama iŋgaruramiswa pamberi pake namaɓasa omurairo; nokuti ɀiʋi ɀinoziʋiswa nomurairo. Asi ɀino kururama kwaMŋari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kucipupurirwa nomurairo naʋaprofita; ndiko kururama kwaMŋari kunoʋuya nokutenda kunaJesu Kristu kunaʋose ʋanotenda; nokuti haʋasiyani, nokuti ʋose ʋakatadza, ʋakasaȿika pakubginya kwaMŋari. Ʋanoŋgoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu; iye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti ɀiʋi ɀakaitwa kare ɀakaregerwa, Mŋari aciʋaitira mŋoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe neŋguʋa ino, kuti arurame iye amene, ʋuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.
VaRoma 3:19-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)