Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 11:33-36

VaRoma 11:33-36 BDSC

Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi! “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe? Kana akava mupi wake wamazano?” “Ndianiko akambopa kuna Mwari kuti Mwari angamuripirazve?” Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.