Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge. Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira. Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika. Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai. Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi. Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.
Verenga chikamu Mapisarema 9
Terera ku Mapisarema 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 9:7-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo