Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 9:7-12

Mapisarema 9:7-12 SNA2002

Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge. Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira. Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika. Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; Nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai. Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye agere paZioni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu. Nokuti iye, anotsiva ropa, anovarangarira; Haakanganwi kuchema kwavarombo.