Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 78:40-72

Mapisarema 78:40-72 BDSC

Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje! Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri. Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri, zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti, zvishamiso zvake mudunhu reZoani. Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa; havana kugona kunwa muhova dzavo. Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza, uye matatya akavaparadza zvikuru. Akapa zviyo zvavo kumagutaguta nezvibereko zvavo kumhashu. Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe, uye namaonde emionde yavo nechando. Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni. Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza. Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda. Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu. Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga. Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo. Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi. Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo. Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake. Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera. Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose. Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu. Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi. Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo. Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa; vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema. Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini. Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi. Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu; asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai; akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake. Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.