Mapisarema 78:40-72
Mapisarema 78:40-72 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kanganiko kavakamupandukira murenje vakamushatirisa mugwenga. Vakamuedza kakawanda vakadenha Mutsvene waIsiraeri. Havana kurangarira simba rake kana kurangarira zuva raakavanunura kumuvengi paakaita zvishamiso zvake muIjipiti paakaita minana yake mumasango ekuZoani. Akasandura hova dzikava ropa zvokuti havana kukwanisa kunwa mutukova twavo. Akavatumira bute renhunzi dzakavadya namatafi akavaparadza. Akapa mbeswa dzavo kumakonye uye muchero wamabasa avo kumhashu. Akaparadza migirepisi yavo nechimvuramahwe uye mionde yavo nechando. Akarova mombe dzavo nechimvuramahwe uye hwai akadzirova nemheni. Akavavirukira kwazvo nehasha akavashatirirwa akavatsamwira zvikuru akavapa nhamo idzi dzaiva nhumwa dzake dzokuparadza. Akavaputikira nehasha, haana kurega kuvauraya, akavaparadza upenyu nedenda. Akauraya matangwe ose muIjipiti, vana vokutanga vesimba ravo mumatumba okwaHamu. Iye akatungamirira vanhu vake sehwai akavatungamirira murenje sedanga. Akavatungamirira zvisina njodzi zvokuti havana kutya asi gungwa rakafusira vavengi vavo. Akavaunza kunyika yake inoera kugomo rake raakawana nesimba reruoko rwake rworudyi. Akafanovatandira marudzi, akavakamuranisa migove yavo, akagarisa vaIsiraeri mumatendhe avo. Vakaedza Mwari Wokumusorosoro, vakamupandukira uye havana kuchengeta mitemo yake. Asi vakatotsauka vakaiita zvisina kutendeka samadzibaba avo; vakamonyoroka souta husina kutsarukana. Nokuti vakamushatirisa nenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakatunhumara; vakaita kuti aite shanje nokuda kwezvifananidzo zvavo zvokunamata. Mwari paakazvinzwa akazara nehasha, akabva aramwa Isiraeri chaizvo. Akafuratira nzvimbo yake yaaigara kuShiro, dumba raaigara pakati pavanhu. Akaisa simba rake, paArika yechitenderano, kuutapwa, akaisa mbiri yake mumaoko omuvengi. Akapinza vanhu vake mukuuraiwa nebakatwa rehondo akavirukira nhaka yake nehasha. Majaya avo akavaroromesa nemoto, mhandara dzavo dzakashaya rumbo rwomuchato. Vapristi vavo vakauraiwa namapakatwa chirikadzi dzavo hadzina kuvachema. TENZI akaita seari kupepuka muhope segamba rakundwa newaini. Akagarisa vavengi vake pasi, akavanyadzisa zvinogara zvakadaro. Akaramba vemba yokwaJosefi. Akarega kusarudza vedzinza rokwaEfuremu, asi paakasarudza vedzinza rokwaJudha veGomo reZioni raanoda, akavaka ipapo nzvimbo yake inoera, nhunga makore chaiyo ikaita senyika yaakadzika pasichigare. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake akamutora kumatanga ehwai. Akamubvisa mukufudza nhunzvi dzaiva navana, kuti ave mufudzi wevokwaJakobho vanhu vake Isiraeri, nhaka yake. Akavafudza nemwoyo uri pachokwadi akavatungamirira nouchenjeri.
Mapisarema 78:40-72 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje! Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri. Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri, zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti, zvishamiso zvake mudunhu reZoani. Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa; havana kugona kunwa muhova dzavo. Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza, uye matatya akavaparadza zvikuru. Akapa zviyo zvavo kumagutaguta nezvibereko zvavo kumhashu. Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe, uye namaonde emionde yavo nechando. Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni. Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza. Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda. Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu. Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga. Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo. Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi. Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo. Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake. Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera. Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose. Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu. Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi. Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo. Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa; vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema. Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini. Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi. Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu; asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai; akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake. Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.
Mapisarema 78:40-72 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shungu mugwengo! Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, Vakadzivisa Mutsvene waIsiraeri. Havana kurangarira ruoko rwake, Kana zuva raakavadzikinura pamudzivisi. Panguva yaakavaratidza zviratidzo zvake paIjipiti, Nezvishamiso zvake pasango reZoani; Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa, Nehova dzavo, vakakoniwa kunwa mvura yadzo. Akatuma pakati pavo mapupira enhunzi, dzakavaruma; Namatafi, akavaparadza. Zvibereko zvavo wakazvipa mhundururu, Zvakabatira akazvipa mhashu. Akaparadza midzambiringa yavo nechimvuramabwe, Nemionde yavo nechando. Mombe dzavo akadziisawo pachimvuramabwe, Zvipfuwo zvavo akazviisa pamheni. Akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru, Nehasha neshungu nokutambudza, Rikaita boka ravatumwa vezvakaipa. Akagadzirira kutsamwa kwake nzira; Haana kubvisa mweya wavo parufu, Asi akaisa upenyu hwavo kuhosha; Akarova matangwe ose paIjipiti, Ivo vokutanga vesimba ravo pamatende aHami; Asi akabudisa vanhu vake samakwai, Akavaperekedza murenje seboka rezvipfuwo. Akavafambisa vakafara, vakasatya; Asi gungwa rakafukidza vavengi vavo. Akavasvitsa panyika yake tsvene, Pagomo iri, raakatenga noruoko rwake rworudyi. Akadzingawo ndudzi pamberi pavo, Akavaganhurira ivo vave nhaka yavo, Akagarisa vaIsiraeri pamatende avo. Kunyange zvakadaro vakaidza Mwari Wokumusorosoro, vakamumukira, Vakasachengeta zvipupuriro zvake; Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera. Vakatsauka souta hunonyengera. Nokuti vakamutsa kutsamwa kwake namatunhu avo akakwirira, Vakamutsa godo rake nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa. Zvino Mwari akati achizvinzwa, akatsamwa kwazvo, Akasema Isiraeri kwazvo-kwazvo. Akabva patabhenakeri yeShiro, Tende raakanga akaisa pakati pavanhu; Akaisa simba rake mukutapwa, Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi. Vanhu vake wakavaisawo kumunondo; Akatsamwira nhaka yake kwazvo. Moto wakapedza majaya avo; Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo. Vapristi vavo vakaurawa nomunondo; Chirikadzi dzavo hadzina kuchema. Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete, Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini. Akarova vadzivisi vake, vakadzokera shure; Akavanyadzisa zvisingaperi. Akarambawo tende raJosefa, Akasanangura rudzi rwaEfuremu. Asi akasanangura rudzi rwaJudha, Negomo reZioni raakanga achida. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusingaperi. Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, Akamubvisa pamatanga amakwai; Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa, Kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, naIsiraeri nhaka yake. Naizvozvo akavafudza nokururama kwomwoyo wake; Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake.
Mapisarema 78:40-72 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kanganiko kavakamupandukira murenje vakamushatirisa mugwenga. Vakamuedza kakawanda vakadenha Mutsvene waIsiraeri. Havana kurangarira simba rake kana kurangarira zuva raakavanunura kumuvengi paakaita zvishamiso zvake muIjipiti paakaita minana yake mumasango ekuZoani. Akasandura hova dzikava ropa zvokuti havana kukwanisa kunwa mutukova twavo. Akavatumira bute renhunzi dzakavadya namatafi akavaparadza. Akapa mbeswa dzavo kumakonye uye muchero wamabasa avo kumhashu. Akaparadza migirepisi yavo nechimvuramahwe uye mionde yavo nechando. Akarova mombe dzavo nechimvuramahwe uye hwai akadzirova nemheni. Akavavirukira kwazvo nehasha akavashatirirwa akavatsamwira zvikuru akavapa nhamo idzi dzaiva nhumwa dzake dzokuparadza. Akavaputikira nehasha, haana kurega kuvauraya, akavaparadza upenyu nedenda. Akauraya matangwe ose muIjipiti, vana vokutanga vesimba ravo mumatumba okwaHamu. Iye akatungamirira vanhu vake sehwai akavatungamirira murenje sedanga. Akavatungamirira zvisina njodzi zvokuti havana kutya asi gungwa rakafusira vavengi vavo. Akavaunza kunyika yake inoera kugomo rake raakawana nesimba reruoko rwake rworudyi. Akafanovatandira marudzi, akavakamuranisa migove yavo, akagarisa vaIsiraeri mumatendhe avo. Vakaedza Mwari Wokumusorosoro, vakamupandukira uye havana kuchengeta mitemo yake. Asi vakatotsauka vakaiita zvisina kutendeka samadzibaba avo; vakamonyoroka souta husina kutsarukana. Nokuti vakamushatirisa nenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakatunhumara; vakaita kuti aite shanje nokuda kwezvifananidzo zvavo zvokunamata. Mwari paakazvinzwa akazara nehasha, akabva aramwa Isiraeri chaizvo. Akafuratira nzvimbo yake yaaigara kuShiro, dumba raaigara pakati pavanhu. Akaisa simba rake, paArika yechitenderano, kuutapwa, akaisa mbiri yake mumaoko omuvengi. Akapinza vanhu vake mukuuraiwa nebakatwa rehondo akavirukira nhaka yake nehasha. Majaya avo akavaroromesa nemoto, mhandara dzavo dzakashaya rumbo rwomuchato. Vapristi vavo vakauraiwa namapakatwa chirikadzi dzavo hadzina kuvachema. TENZI akaita seari kupepuka muhope segamba rakundwa newaini. Akagarisa vavengi vake pasi, akavanyadzisa zvinogara zvakadaro. Akaramba vemba yokwaJosefi. Akarega kusarudza vedzinza rokwaEfuremu, asi paakasarudza vedzinza rokwaJudha veGomo reZioni raanoda, akavaka ipapo nzvimbo yake inoera, nhunga makore chaiyo ikaita senyika yaakadzika pasichigare. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake akamutora kumatanga ehwai. Akamubvisa mukufudza nhunzvi dzaiva navana, kuti ave mufudzi wevokwaJakobho vanhu vake Isiraeri, nhaka yake. Akavafudza nemwoyo uri pachokwadi akavatungamirira nouchenjeri.
Mapisarema 78:40-72 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shuŋgu muciwunde! Ʋakapamhidza ɀe, ʋakaidza Mŋari, Ʋakadziʋisa Mutȿene waIsraeri. Haʋana‐kuraŋgarira ruʋoko rwake, Kana zuʋa raakaʋadzikinura pamudziʋisi. Paŋguʋa yaakaʋaratidza ɀiratidzo ɀake paEgipita, Neɀishamiso ɀake pasaŋgo reZoani; Akashandura nzizi dzaʋo dzikaʋa ropa, Nehoʋa dzaʋo, ʋakakoniwa kunwa mvura yadzo. Akatuma pakati paʋo mapupira enhunzi, dzakaʋaruma; Namatafi, akaʋaparadza. Ɀiɓereko ɀaʋo wakaɀipa mhundururu, Ɀaʋakaɓatira wakaɀipa mhashu. Wakaparadza mizambiriŋga yaʋo necimvuramabge, Nemiʋonde yaʋo necando. Ŋombe dzaʋo wakadziisa ʋo pacimvuramabge, Ɀipfuwo ɀavo wakaɀiisa pamheni. Wakatuma pakati paʋo kutsamŋa kwake kukuru, Nehasha neshuŋgu nokutambudza, Rikaita ɓoka raʋatumŋa ʋeɀakaipa. Wakagadzirira kutsamŋa kwake nzira; Haana‐kubvisa mŋeya waʋo parufu, Asi wakaisa ʋupenyu bgaʋo kuhosha; Akaroʋa mataŋgwe ose paEgipita, Iʋo ʋokutaŋga ʋesimba raʋo pamatente aHami; Asi wakaɓuɗisa ʋanhu ʋake samakwai, Akaʋaperekedza murenje seɓoka reɀipfuwo. Akaʋafambisa ʋakafara, ʋakasatya; Asi guŋgwa rakafukidza ʋaʋeŋgi ʋaʋo. Akaʋaȿitsa panyika yake tȿene, Pagomo iri, raakateŋga noruʋoko rwake rworudyi. Akadziŋga ʋo ndudzi pamberi paʋo, Akaʋaganhurira iʋo ʋaʋe nhaka yaʋo, Akagarisa ʋaIsraeri pamatente aʋo. Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaidza Mŋari Wokumsoro‐soro, ʋakamumukira, Ʋakasaceŋgeta ɀipupuriro ɀake; Asi ʋakadzoka, ʋakaita ɀinonyeŋgera. Ʋakatsauka soʋuta ʋunonyeŋgera. Nokuti ʋakamutsa kutsamŋa kwake namatunhu aʋo akakwirira, Ʋakamutsa goɗo rake neɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋeziwa. Ɀino Mŋari wakati aciɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, Akasema Israeri kwaɀo‐kwaɀo. Akabva patabernakeri yeShiro, Tente raakaŋga akaisa pakati paʋanhu; Akaisa simba rake mukutapxa, Nokubginya kwake muruʋoko rwomudziʋisi. Ʋanhu ʋake wakaʋaisa ʋo kumunondo; Akatsamŋira nhaka yake kwaɀo. Mŋoto wakapedza majaya aʋo; Ʋasikana ʋaʋo haʋana‐kuimbirwa pakuwanikwa kwaʋo. Ʋaprista ʋaʋo ʋakaʋurawa nomunondo; Cirikadzi dzaʋo hadzina‐kucema. Ipapo Ishe wakapepuka somunhu wakaŋga aʋete, Semhare inoridza mhere nokuɗa kwewaini. Akaroʋa ʋadziʋisi ʋake, ʋakadzokera shure; Akaʋanyadzisa ɀisiŋgaperi. Wakaramba ʋo tente raJosefa, Akasasanaŋgura rudzi rwaEfraimi. Asi wakasanaŋgura rudzi rwaJuda, Negomo reZioni raakaŋga aciɗa. Akaʋaka nɀimbo yake tȿene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusiŋgaperi. Wakasanaŋgura ʋo Davidi muranda wake, Akamubvisa pamataŋga amakwai; Akandomutora paaifudza matunɀi aimŋisa, Kuti aʋe mufudzi waʋanhu ʋake Jakobo, naIsraeri nhaka yake. Naiɀoɀo wakaʋafudza nokururama kwomŋoyo wake; Akaʋaperekedza noʋucenjeri bgamaʋoko ake.