Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika. Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura. Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga. Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera. Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi. Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando. Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu. Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa. Ivai nehanya nesungano yenyu, nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika. Musarega vakadzvinyirirwa vachidududza shure nenyadzi; varombo navanoshayiwa ngavarumbidze zita renyu. Simukai, imi Mwari, mutsigire mhaka yenyu; rangarirai kuti mapenzi anokushorai sei zuva rose. Regai kushayira hanya ruzha rwavadzivisi venyu, bope ravavengi venyu, rinoramba richikwira.
Verenga chikamu Mapisarema 74
Terera ku Mapisarema 74
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 74:12-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo