Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 74:12-23

Mapisarema 74:12-23 BDSC

Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika. Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura. Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga. Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera. Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi. Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando. Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu. Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa. Ivai nehanya nesungano yenyu, nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika. Musarega vakadzvinyirirwa vachidududza shure nenyadzi; varombo navanoshayiwa ngavarumbidze zita renyu. Simukai, imi Mwari, mutsigire mhaka yenyu; rangarirai kuti mapenzi anokushorai sei zuva rose. Regai kushayira hanya ruzha rwavadzivisi venyu, bope ravavengi venyu, rinoramba richikwira.