Mapisarema 74:12-23
Mapisarema 74:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika. Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura. Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga. Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera. Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi. Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando. Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu. Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa. Ivai nehanya nesungano yenyu, nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika. Musarega vakadzvinyirirwa vachidududza shure nenyadzi; varombo navanoshayiwa ngavarumbidze zita renyu. Simukai, imi Mwari, mutsigire mhaka yenyu; rangarirai kuti mapenzi anokushorai sei zuva rose. Regai kushayira hanya ruzha rwavadzivisi venyu, bope ravavengi venyu, rinoramba richikwira.

Mapisarema 74:12-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange zvakadaro Mwari ndiye Mambo wangu kubva kare, Iye anobata mabasa okuponesa pakati penyika. Makapamura gungwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yezvikara zvegungwa mumvura. Makaputsanya misoro yengwena, Makaipa vanhu vagere murenje kuti ive nyama yavo. Makapamura tsime neboporodzi; Makapwisa nzizi huru. Masikati ndeenyu, nousiku ndohwenyuwo; Ndimi makagadzira chiedza nezuva. Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhizha nechando. Rangarirai chinhu ichi, kuti muvengi akakuzvidzai, Jehovha, Uye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu. Regai henyu kuisa kuchikara mweya wenjiva yenyu; Musakanganwa upenyu hwavarombo venyu. Rangarirai sungano; Nokuti nzvimbo dzine rima dzapasi dzizere nougaro hwavamanikidzi. Haiwa, vanomanikidzwa ngavarege kudzoka vachinyara; Varombo navashaiwi ngavarumbidze zita renyu. Simukai Mwari, muzvireverere mhaka yenyu, Rangarirai kuzvidzwa kwenyu nebenzi zuva rose. Regai kukanganwa izwi ravadzivisi venyu; Bope ravanokumukira rinogara richikwira.
Mapisarema 74:12-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Mwari Mambo wangu ndewopasichigare, ndimi munonunura mukati menyika. Makaganhura gungwa nesimba renyu mukadimbura misoro yezigaranyanya mumvura. Makapwanya misoro wengwena; makaipa sechokudya kuzvikara zvomurenje. Makatubura zvisipiti netukova, makapwisa hova dzisingapwi. Masikati ndeenyu nousiku ndohwenyu. Ndimi makaisa mavheneko nezuva. Makaisa miganho yenyika, ndimi makaisa zhizha nechirimo. TENZI rangarirai kuti muvengi anonyomba zvakadii uye kuti mapenzi avanhu anoshora sei zita renyu. Regai kuisa njiva iyi, vanhu venyu, mumaoko ezvikara musakanganwe upenyu hwavarombo venyu nokusingaperi. Itai hanya nechitenderano chenyu nokuti nzvimbo dzine rima munyika muzere misha inoshandiswa zvechisimba. Vanodzvinyirirwa ngavarege kunyadziswa. Varombo navasina chavanacho ngavarumbidze zita renyu. Simukai Mwari muzvimiririre muyeuke kukunyombai kunoita mapenzi zuva rose. Musakanganwe ruzha runoitwa navavengi venyu. Mhirizhonga yemhandu dzenyu inoramba yakasimudzirwa.
Mapisarema 74:12-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ɀakaɗaro Mŋari ndiye Mambo waŋgu kubva kare, Iye unoɓata maɓasa okuponesa pakati penyika. Makapamura guŋgwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yeɀikara ɀeguŋgwa mumvura. Makaputsanya misoro yeŋgwena, Makaipa ʋanhu ʋagere murenje kuti iʋe nyama yaʋo. Makapamura tsime neɓoporodzi; Makapxisa nzizi huru. Masikati ndeenyu, noʋusiku ndobgenyu ʋo; Ndimi makagadzira ciedza nezuʋa. Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhezha necando. Raŋgarirai cinhi ici, kuti muʋeŋgi wakakuɀidzai, Jehova, Ʋuye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu. Regai henyu kuisa kucikara mŋeya wenjiʋa yenyu; Musakaŋganwa ʋupenyu bgaʋarombo ʋenyu. Raŋgarirai suŋgano; Nokuti nɀimbo dzinerima dzapasi dzizere noʋugaro bgaʋamanikidzi. Haiwa, ʋanomanikidzwa ŋgaʋarege kudzoka ʋacinyara; Ʋarombo naʋashaiwi ŋgaʋarumbidze zita renyu. Simukai Mŋari, muɀireʋerere mhaka yenyu; Raŋgarirai kuɀidzwa kwenyu neɓenzi zuʋa rose. Regai kukaŋganwa inzwi raʋadziʋisi ʋenyu; Ƃope raʋanokumukirai rinogara ricikwira.
Mapisarema 74:12-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)