Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 74:12-23

Mapisarema 74:12-23 SNA2002

Kunyange zvakadaro Mwari ndiye Mambo wangu kubva kare, Iye anobata mabasa okuponesa pakati penyika. Makapamura gungwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yezvikara zvegungwa mumvura. Makaputsanya misoro yengwena, Makaipa vanhu vagere murenje kuti ive nyama yavo. Makapamura tsime neboporodzi; Makapwisa nzizi huru. Masikati ndeenyu, nousiku ndohwenyuwo; Ndimi makagadzira chiedza nezuva. Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhizha nechando. Rangarirai chinhu ichi, kuti muvengi akakuzvidzai, Jehovha, Uye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu. Regai henyu kuisa kuchikara mweya wenjiva yenyu; Musakanganwa upenyu hwavarombo venyu. Rangarirai sungano; Nokuti nzvimbo dzine rima dzapasi dzizere nougaro hwavamanikidzi. Haiwa, vanomanikidzwa ngavarege kudzoka vachinyara; Varombo navashaiwi ngavarumbidze zita renyu. Simukai Mwari, muzvireverere mhaka yenyu, Rangarirai kuzvidzwa kwenyu nebenzi zuva rose. Regai kukanganwa izwi ravadzivisi venyu; Bope ravanokumukira rinogara richikwira.