Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; ngandirege kutongonyadziswa. Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu; rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese. Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda; rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu. Haiwa Mwari wangu, ndirwirei, paruoko rwowakaipa, pakubatwa navanhu vakaipa uye vane utsinye. Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha, ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu. Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu; ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu. Ndicharamba ndichikurumbidzai. Ndava sechishamiso kuvazhinji, asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba. Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu, ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose. Regai kundirasa pandinenge ndakwegura; musandisiya kana simba rangu rapera. Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu; avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete. Vanoti, “Mwari amusiya; muteverei mumubate, nokuti hakuna achamununura.” Regai kuva kure neni, imi Mwari; uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire. Vapomeri vangu ngavaparare vanyadziswe; vaya vanoda kundikuvadza ngavafukidzwe nokusekwa nokunyadziswa. Asi kana ndirini, ndichagara ndine tariro; ndicharamba ndichikurumbidzai zvakanyanya. Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu, nezvoruponeso rwenyu zuva rose, kunyange ndisingazivi chiyero charwo. Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha; ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga.
Verenga chikamu Mapisarema 71
Terera ku Mapisarema 71
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 71:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo