Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu; vavengi vangu vose vari pamberi penyu. Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu, uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira; Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya, vangandinyaradza, asi ndakavashayazve. Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu, uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota. Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo; ngaive shamhu yokuranga neriva. Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona, uye misana yavo iminame nokusingaperi. Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo; kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire. Nzvimbo yavo ngaisiyiwe; ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo. Nokuti vanotambudza vaya vamakarova, uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi. Vapei mhosva pamusoro pemhosva; ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu. Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama. Ndiri pakurwadziwa nenhamo; ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire. Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, uye ndichamukudza nokuvonga. Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe, kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo. Varombo vachazviona uye vachafara, imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame! Jehovha anonzwa vanoshayiwa uye haashori vanhu vake vakatapwa. Denga nenyika ngazvimurumbidze, makungwa nezvose zvinofamba, imomo, nokuti Mwari achaponesa Zioni agovakazve maguta aJudha. Ipapo vanhu vachagarako, vagoritora; Vana vavaranda vake vacharipiwa senhaka, uye avo vanoda zita rake vachagara ikoko.
Verenga chikamu Mapisarema 69
Terera ku Mapisarema 69
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 69:19-36
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo