Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 69:19-36

Nziyo 69:19-36 SCLB

Munoziva wani kushorwa kwangu, nokunyara kwangu nokusaremekedzwa kwangu vavengi vangu vose munovaziva. Kutukwa kwandiodza mwoyo zvokuti ndava kurasa mwoyo. Ndakatsvaka angandinzwirewo tsitsi asi pakanga pasina. Ndakatsvaka vangandinyaradze asi ndakavashaya. Vakandipa chepfu kuti ndidye; kuti ndipodze nyota vakandipa vhiniga kuti ndinwe. Zvokudya zvinenge zvaiswa pamberi pavo ngazvive riva kwavari. Zvibayiro zvavo zvamazuva makuru, ngazvive musungo kwavari. Ngavapofamadzwe maziso vatadze kuona. Ngavaite misana ine nhetemwa. Vavirukirei nokushatirwa kwenyu, hasha dzenyu dzinovira dzivashaise mazano. Pamatendhe pavo ngapaparare, matendhe avo ashaye anogara. Nokuti vanotambudza wamunenge mapa shamhu. Wamunenge makuvadza vanotomutambudza zvakatonyanya. Rambai muchingovabata nemhosva pamusoro pedzimwe mhosva, musamboti havana mhosva. Ngavapfudzwe mubhuku ravapenyu. Varege kunyorwa mukati mavakarurama. Asi ini ndiri kutambura; ndiri kurwadziwa. Ndisimudzeiwo Mwari nokuponesa kwenyu. Ndicharumbidza zita raMwari norumbo ndichamukudza nokumutenda. Izvi zvichafadza TENZI kupinda nzombe kana handira dzine nyanga namatsiko. Vari kudzvinyirirwa ngavazvione vagofara. Imi munotsvaka Mwari mwoyo yenyu ngaimuke. Nokuti Mwari anonzwa varombo uye haashori vanhu vake vanenge vari muusungwa. Denga napasi ngazvimurumbidze; ngaarumbidzwe namakungwa nazvose zvinofambamo. Mwari achanunura Zioni agovakazve maguta okwaJudha vanhu vachagaramo vachiriita ravo. Vana vavaranda vavo vachiriita ravo uye vanoda zita rake vachagaramo.

Verenga chikamu Nziyo 69