Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe;
vavengi vake ngavatize pamberi pake.
Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo,
saizvozvo vapeperetsei;
sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto,
vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.
Asi vakarurama ngavafare,
vafarisise pamberi paMwari;
ngavafare vapembere.
Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza,
murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore,
zita rake ndiJehovha,
uye farai pamberi pake.
Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi,
ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.
Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri,
anosesedza vasungwa vachiimba;
asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.
Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari,
pamakafamba napakati perenje, Sera
nyika yakazungunuka,
matenga akadurura mvura, pamberi paMwari,
iye weSinai, pamberi paMwari,
iye Mwari waIsraeri.
Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji;
mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe.
Vanhu venyu vakagaramo,
uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo.
Ishe akataura shoko,
vanhu vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo:
“Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza;
mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa.
Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa,
mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha,
minhenga yayo negoridhe rinovaima.”
Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika,
zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni.
Makomo eBhashani makomo oushe;
makomo eBhashani akati twi.
Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi,
pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo,
pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi?
Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru
nezviuru zvezviuru;
Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai.
Pamakakwira kumusoro,
makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu;
mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu,
kunyange zvaibva kuna vakapanduka,
kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo.