Mwari ngaasimuke vavengi vake vaparadzwe. Vanomuvenga ngavatize pamberi pake. Sokuvhuvhutwa kunoitwa utsi, vatinheiwo. Sokunyongodeka kunoita namo pamoto; vakaipa ngavapararewo pamberi paMwari. Asi vakarurama ngavafare pamberi penyu; vapembere kwazvo nokufara pamberi paMwari. Ngavafarisise kwazvo norufaro. Imbirai Mwari, muimbirei muchirumbidza zita rake. Shaurai rumbo kuna iye anofamba nomumakore, zita rake ndiYahweh, pemberai nokufara pamberi pake. Mwari, munzvimbo yake inoera, ndiBaba wenherera nomudziviriri wechirikadzi. Mwari anopa vasina chavanacho musha wokugara. Anoburitsa vasungwa achivaendesa mukugarika asi vapanduki vanogara murenje. Imi Mwari pamakatungamirira vanhu venyu, pamakafamba nomurenje, Dzepfunde nyika yakandengendeka, matenga akadurura mvura nokuvapo kwenyu Mwari. Iro gomo reSinai rakandengendeka nokuvapo kwaMwari, Mwari weIsiraeri. Mwari makanaisa mvura yakawanda, makararamisa nhaka yenyu yakanga yavakuparara. Vanhu venyu vakaita musha mairi Mwari nokuda kokunaka kwenyu munowanisa varombo chokuvararamisa nacho. TENZI anongoti taurei chete vanotakura mashoko acho vakawanda. Vari kuti, “Madzimambo ehondo chaidzo anotiza, anotiza kumusha,” madzimai anenge avakutogovana zvakapambwa. Kunyange munhu ari mukati mezvipfuwo zvako mapapiro enjiva Isiraeri anenge achiiswa sirivha, mapapiro ayo achiiswa ndarama yeruvara rwemashizha manyoro. Samasimbaose paakamwararisa madzimambo, chando chakanaya paZarimoni. Gomo ravamwari, gomo reBhashani, gomo remisoro mizhinji, gomo reBhashani. Munotarisireiko neshanje imi makomo ane misoro mirefu kugomo rakasarudzwa naMwari kuti agare, TENZI paachagara nokusingaperi. Ngoro dzehondo dzaMwari igurusvusvu negurusvusvu kuwanda, mazana zvawo akazanirana. TENZI ari pakati padzo achibva kugomo reSinai achindopinda munzvimbo inoera. Makakwira gomo refu muchitungamirira nhapwa makagamuchira mutero mukati mavanhu, kunyange pakati pavanopandukira TENZI Mwari anogaramo.
Verenga chikamu Nziyo 68
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 68:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo