Mapisarema 51
51
Pisarema 51
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha.
1Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari,
nokuda kworudo rwenyu rusingaperi;
dzimai kudarika kwangu
nokuda kwengoni dzenyu huru.
2Shambidzai zvakaipa zvangu zvose
uye mundinatse kubva pachivi changu.
3Nokuti ndinoziva kudarika kwangu,
uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.
4Ndakakutadzirai imi, iyemi moga
nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu,
kuti munzi makarurama pamunotaura
uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.
5Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa,
ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu.
6Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo;
munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati.
7Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena;
ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.
8Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa;
itai kuti mapfupa amakapwanya afare.
9Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu
uye mudzime zvakaipa zvangu zvose.
10Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari,
uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
11Regai kundirasa pamberi penyu
kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.
12Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu,
uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.
13Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu,
uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.
14Ndiponesei pamhosva yeropa, imi Mwari,
iyemi Mwari anondiponesa,
ipapo rurimi rwangu ruchaimba zvokururama kwenyu.
15Haiwa Ishe, zarurai miromo yangu,
ipapo muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu.
16Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai,
imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa.
17Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika;
mwoyo wakaputsika nowakapwanyika,
imi Mwari hamuzoushori.
18Pamufaro wenyu wakanaka, itai kuti Zioni ribudirire;
muvake masvingo eJerusarema.
19Ipapo pachava nezvibayiro zvakarurama,
zvipiriso zvinopiswa zvakazara zvinokufadzai;
ipapo hando dzichabayirwa paaritari yenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 51: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.