1
Mapisarema 51:10
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 51:12
Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu, uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.
3
Mapisarema 51:11
Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.
4
Mapisarema 51:17
Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori.
5
Mapisarema 51:1-2
Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru. Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu.
6
Mapisarema 51:7
Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.
7
Mapisarema 51:4
Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo