Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru. Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu. Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu. Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa, ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu. Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo; munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati. Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando. Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa; itai kuti mapfupa amakapwanya afare. Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu uye mudzime zvakaipa zvangu zvose. Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
Verenga chikamu Mapisarema 51
Terera ku Mapisarema 51
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 51:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo