Ndinzwireiwo tsitsi Mwari pamusana pemwoyochena wenyu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Pfudzai kukanganisa kwangu. Ndishambidzei kwazvo kuuipi hwangu mundinatsewo kuchitadzo changu nokuti kukanganisa kwangu ndinokuziva uye chitadzo changu chinogara chiri pamwoyo pangu. Imi, imi chete ndimi vandakatadzira, kwamuri ndakaita zvakaipa zvokuti zvamakatema zvakarurama uye kutonga kwenyu hakuna chinoshoreka. Onai kuti ndakaberekwa muuipi mai vangu vakabata pamuviri pangu ndiri muchitadzo. Inga wani munoda chokwadi mukatikati momunhu; naizvozvo ndidzidziseiwo ungwaru mukatikati mangu makavandika. Ndinatsei nakapazi komuhisopu ini ndichabva ndachena ndishambidzei ndibva ndachena kupinda mazaya echando. Regai ndinzwe kufara, ndipembere nokufara. Ndifaranutsei pakundityora mapfupa kwamakaita. Dai marega tarisa zvitadzo zvangu mupfudze zvenyu uipi hwangu hose. Ndipei mwoyo wakachena Mwari wangu muise mandiri mweya kwawo mutsva.
Verenga chikamu Nziyo 51
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 51:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo