Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo; chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose; anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika. Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva. Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.
Verenga chikamu Mapisarema 34
Terera ku Mapisarema 34
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 34:15-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo