Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 34:15-22

Mapisarema 34:15-22 SNA2002

Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo. Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika. Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika. Akarurama anamadambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose. Anochengeta mapfupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa. Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva. Jehovha anodzikinura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva.