Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 34:11-22

Mapisarema 34:11-22 BDSC

Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha. Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda, dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema. Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere. Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo; chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose; anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika. Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva. Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.