Uyai imi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha. Ndoupi munhu anoda upenyu, Anoda mazuva mazhinji, kuti aone zvakanaka? Dzora rurimi rwako pakutaura zvakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura zvinonyengera. Ibva pane zvakaipa uite zvakanaka; Tsvaka rugare, urutevere. Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo. Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika. Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika. Akarurama anamadambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose. Anochengeta mapfupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa. Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva. Jehovha anodzikinura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva.
Verenga chikamu Mapisarema 34
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 34:11-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo