Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake. Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika; Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta. Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo. Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga. Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni. Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.
Verenga chikamu Mapisarema 18
Terera ku Mapisarema 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 18:6-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo