Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa izwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake. Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa. Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo. Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo. Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga. Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto. Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusorosoro akataura nezwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto.
Verenga chikamu Mapisarema 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 18:6-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo