Mapisarema 18:6-13
Mapisarema 18:6-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake. Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika; Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta. Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo. Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga. Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni. Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.
Mapisarema 18:6-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa izwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake. Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa. Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo. Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo. Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga. Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto. Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusorosoro akataura nezwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto.
Mapisarema 18:6-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, kuti andibatsire muTemberi yake, iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. Nyika yakadedera ikandengendeka, nheyowo dzamakomo dzakazunguzika dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa. Akafemeruka utsi mumhuno dzake, mukanwa make aine rimi romoto rinororomesa. Mukabuda mazimbe anobvira moto. Akabvarura denga akaburuka, gore dema riri pasi petsoka dzake. Akanga akakwira pakerubhu akabhururuka, akauya nokukurumidza achibhururuka mumhepo. Akaita kuti rima rimukwidibire rakamutenderedza makuti matematema chaiwo emvura akaaita chokuhwanda nacho. Mukupenya kwaiva mberi kwake, pakabuda nomumakore chimvuramahwe namazhenje omoto. TENZI akadhiriridza mumatenga'mu, izwi raNyadenga rikariridza. Kwakaita chivhuramahwe namazimbe omoto.
Mapisarema 18:6-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova, Ndikaɗana kunaMŋari waŋgu; Akanzwa inzwi raŋgu ari mutembere yake; Kucema kwaŋgu pamberi pake kukaȿika munzeʋe dzake. Ipapo nyika yakazunuŋguka, ikaɗeɗera; Nheyo dzamakomo ʋo dzakaɗeŋgenyeka, Dzikazunuŋguswa, nokuti wakaŋga akatsamŋa. Ʋutsi bgakakwira ʋucibva mumhino dzake, Ʋuye mŋoto wakaɓuɗa mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akaɓatidzwa nawo. Wakakotamisa kuɗeŋga‐ɗeŋga ʋo, akaɓuruka; Nerima guru rakaŋga riri pasi petsoka dzake. Wakataȿa kerubi, akabururuka; Ɀirokwaɀo, wakabururuka pamapapiro emhepo. Rima wakariita nɀimbo yake yokuʋanda, tente rake rakamupoteredza; Kuȿiɓa kwemvura zhinji, namakore matema okuɗeŋga. Nokupenya kwakaŋga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuʋura, Necimvuramabge namazimbe omŋoto. Jehova wakatinhira ʋo kuɗeŋga‐ɗeŋga, Wokumsoro‐soro wakataura nenzwi rake; Cimvuramabge namazimbe omŋoto.
Mapisarema 18:6-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)