Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza. Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza. Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo. Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu? NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu. Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka. Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa. Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.
Verenga chikamu Mapisarema 18
Terera ku Mapisarema 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 18:27-39
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo