Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 18:27-39

Nziyo 18:27-39 SCLB

Munonunura vanotambudzika, asi vanozvikudza, munovaorora. Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima; nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka. Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina. Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire.

Verenga chikamu Nziyo 18