Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha kubva kumatenga, murumbidzei panzvimbo dzokumusoro-soro. Murumbidzei, imi vatumwa vake vose, murumbidzei, imi hondo dzake dzose dzokudenga. Murumbidzei, imi zuva nomwedzi, murumbidzei, imi nyeredzi dzose dzinopenya. Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro, nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga. Ngazvirumbidze zita raJehovha, nokuti akarayira, izvo zvikasikwa. Akazviisa panzvimbo yazvo nokusingaperi-peri, akapa chirevo chisingazombopfuuri.
Verenga chikamu Mapisarema 148
Terera ku Mapisarema 148
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 148:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo