Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 139:1-12

Mapisarema 139:1-12 BDSC

Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva. Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure. Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose. Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose. Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri. Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa, kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira. Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,” kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita sechiedza kwamuri.