Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 139:1-12

Nziyo 139:1-12 SCLB

TENZI makandiongorora mukandiziva. Munoziva mafambiro namagariro munonzwisisa pfungwa dzangu imi muri kure zvenyu. Imi munocherechedza kufamba kwangu nokurara kwangu uye munoziva nzira dzangu dzose, nokuti izwi risati rambove parurimi rwangu, imi TENZI munenge matonyatsoriziva. Munondikomberedza mberi neshure muchitoisa ruoko rwenyu pandiri. Ruzivo rwakadaro runondishamisa zvakanyanyisisa, rwuri pamusoro handimbokwanisa kuruwana. Kwandingaende ndokupiko, kusina Mweya wenyu uye ndingatizire kupiko kwamusiri nokuti ndikati ndiende kudenga imi muriko? Ndikati ndiwarire uvato hwangu kunzvimbo yavakafa imi muriko, ndikati regai ndipepereke nemhepo yorungwanani ndichindogara kwakaperera gungwa, kunyange ikoko ruoko rwenyu ndirwo ruchanditungamirira makandibata noruoko rwenyu rworudyi. Ndikati nditi rima rindifukidze uye kuti chiedza chiri pandiri chive usiku kunyange rima harina kusviba kwamuri, usiku hwakachena samasikati. Kwamuri rima nechiedza zvakangofanana.

Verenga chikamu Nziyo 139