Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:49-72

Mapisarema 119:49-72 BDSC

Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro. Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu. Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu. Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi. Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa, vakasiya murayiro wenyu. Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu pose pandinogara. Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu. Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu. Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu. Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa. Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema. Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu. Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu. Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu. Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu. Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu. Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose. Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu. Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu. Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.