Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 119:49-72

Nziyo 119:49-72 SCLB

Yeukai zvamakataura kumuranda wenyu zvakandipa chitarisiro. Zaini Chinondinyaradza munhamo yangu ndechichi chokuti chitsidzo chenyu chinondipa upenyu. Vanozvikudza vanondishora zvazviri asi handisiani nomutemo wenyu. Pandinorangarira mirau yakare zvinondinyaradza, TENZI. Ndinoviruka nehasha pamusana pavakaipa vanokanda pasi mutemo wenyu. Mitemo yenyu ndiyo rumbo rwangu mumusha wandinogara ndiri muutapwa. Ndinoyeuka zita renyu usiku TENZI uye ndinochengeta mutemo wenyu. Ndozvanguwo izvozvo zvokuti ndakachengeta mitemo yenyu. TENZI ndiye nhaka yangu, ndinotsidza kuchengeta shoko renyu. Heti Ndinotsvaka nomwoyo wangu wose kuti mundicheukewo, ndinzwireiwo ngoni sokutsidza kwenyu. Ndikafunga makwara enyu ndinobva ndatendeuka ndotevera mitemo yenyu. Ndinokurumidza, handinonoki kuchengeta mitemo yenyu. Kunyange misungo yavakaipa ichinditeya handikanganwi mutemo wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikurumbidzai nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, wavose vanochengeta mitemo yenyu. Nyika izere nemwoyochena wenyu, TENZI, ndidzidzisei mitemo yenyu. Makachengeta ini muranda wenyu zvakanaka, TENZI, sokutaura kwenyu. Teti Ndipeiwo ungwaru pakufunga uye ruzivo nokuti ndinovimba nemitemo yenyu. Ndisati ndarohwa neshamhu ndakarasika asi pari zvino ndinochengeta shoko renyu. Makanaka uye munoita zvakanaka, ndidzidziseiwo mitemo yenyu. Vanozvikudza vanondizorazora nhema; asi ndinochengeta mitemo yenyu nemwoyo wangu wose. Asi vakaoma mwoyo, havana hanya asi ini ndinofarira mutemo wenyu. Zvakanaka kuti ndakamborwadziwa kuti ndidzidze mitemo yenyu Mutemo unobva pamuromo penyu urinani kwandiri kupfuura zviuru zvemari yendarama nesirivha.

Verenga chikamu Nziyo 119