Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama. Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa. Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka. Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa; ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu. Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri. Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi, nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida. Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:33-48
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo