Mapisarema 119:33-48
Mapisarema 119:33-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama. Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa. Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka. Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa; ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu. Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri. Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi, nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida. Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.

Mapisarema 119:33-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndidzidzisei, Jehovha, nzira yemitemo yenyu; Ndigoichengeta kusvikira pakuguma. Ndipei njere, ndichengete murau wenyu; Zvirokwazvo, ndichauchengeta nomwoyo wangu wose. Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; Nokuti ndinoifarira kwazvo. Kweverai mwoyo wangu kuzvipupuriro zvenyu, Urege kukweverwa mukuchiva. Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo, Mundiponese panzira dzenyu. Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira vanokutyai. Bvisai kushoorwa kwangu kwandinotya, Nokuti zvamakatonga zvakanaka. Tarirai, ndakashuva zvirevo zvenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu. Ngoni dzenyu ngadziuyewo kwandiri, Jehovha, Iko kuponesa kwenyu, sezvinoreva shoko renyu. Naizvozvo ndichagona kupindura anondishora; Nokuti ndinovimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko rezvokwadi chose pamuromo wangu; Nokuti ndakatarira zvamakatonga. Naizvozvo ndichasichengeta murau wenyu Nokusingaperi-peri. Ndichasifamba ndakasununguka, Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Ndichataurawo zvipupuriro zvenyu pamberi pamadzimambo, Ndisinganyadziswi. Ndichazvifadza kwazvo nemirairo yenyu, Yandinoda. Ndichasimudzirawo maoko angu kumirairo yenyu, yandinoda; Ndichafungisisa mitemo yenyu.
Mapisarema 119:33-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ndidzidziseiwo gwara rezvirevo zvenyu ndicharitevera kusvika kwokugumisa. Ite Ndipeiwo kunzwisisa ndichengete mutemo wenyu ndiutevedze nemwoyo wangu wose. Nditungamirireiwo munzira yemitemo yenyu nokuti ndinoifarira. Rerekerai mwoyo wangu kumitemo yenyu kwete kune zvinondipfumisa. Dzorai maziso angu pazvinhu zvisina maturo mundipewo upenyu mugwara renyu. Chengetai chitsidzo chenyu kumuranda wenyu chamakatsidza kuna vanokutyai. Ndinzvengeseiwo kune kushorwa kwandinotya nokuti zvirongwa zvenyu zvakanaka. Tarisai muone kuti ndinoshuwira mitemo yenyu. Pamusana pokuti makarurama, ndipeiwo upenyu. Ndiitireiwo mwoyochena wenyu, TENZI mundiponesewo sokutsidza kwenyu. Wawu Ndopandingakwanise kupindura vanonyomba nokuti ndinovimba neshoko renyu. Musaite kuti ndibva ndatadza kutaura chokwadi zvachose nokuti chitarisiro changu chiri muzvirongwa zvenyu. Ndichagara ndichichengeta mutemo wenyu narini narini. Ndichafamba ndakasununguka nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Ndichataura nezvemitemo yenyu pana madzimambo, handimbonyari. Nokuti ndinofarira mitemo yenyu nokuti ndinoida. Ndinoremekedza mitemo yenyu uye ndinoida uyezve ndichafungisisa zvirevo zvenyu.
Mapisarema 119:33-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndidzidzisei, Jehova, nzira yemitemo yenyu; Ndigoiceŋgeta kuȿikira pakuguma. Ndipei njere, ndiceŋgete murau wenyu; Ɀirokwaɀo, ndicauceŋgeta nomŋoyo waŋgu wose. Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; Nokuti ndinoifarira kwaɀo. Kweʋerai mŋoyo waŋgu kuɀipupuriro ɀenyu, Urege kukweʋerwa mukuciʋa. Dzorai meso aŋgu ndirege kuʋona ɀisinamaturo, Mundiponese panzira dzenyu. Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira ʋanokutyai. Bvisai kushoʋorwa kwaŋgu kwandinotya, Nokuti ɀamakatoŋga ɀakanaka. Tarirai, ndakashuʋa ɀireʋo ɀenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu. Ŋgoni dzenyu ŋgadziʋuye ʋo kwandiri, Jehova, Iko kuponesa kwenyu, seɀinoreʋa shoko renyu. Naiɀoɀo ndicagona kupindura unondishoʋora; Nokuti ndinoʋimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko reɀokwaɗi cose pamuromo waŋgu; Nokuti ndakatarira ɀamakatoŋga. Naiɀoɀo ndicasiceŋgeta murau wenyu Nokusiŋgaperi‐peri. Ndicasifamba ndakasunuŋguka, Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu. Ndicataura ʋo ɀipupuriro ɀenyu pamberi pamadzimambo, Ndisiŋganyadziswi. Ndicaɀifadza kwaɀo nemirairo yenyu, Yandinoɗa. Ndicasimudzira ʋo maʋoko aŋgu kumirairo yenyu, yandinoɗa; Ndicafuŋgisisa mitemo yenyu.
Mapisarema 119:33-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)