Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama. Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa. Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka. Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:33-40
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo