Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 119:33-40

Nziyo 119:33-40 SCLB

TENZI ndidzidziseiwo gwara rezvirevo zvenyu ndicharitevera kusvika kwokugumisa. Ite Ndipeiwo kunzwisisa ndichengete mutemo wenyu ndiutevedze nemwoyo wangu wose. Nditungamirireiwo munzira yemitemo yenyu nokuti ndinoifarira. Rerekerai mwoyo wangu kumitemo yenyu kwete kune zvinondipfumisa. Dzorai maziso angu pazvinhu zvisina maturo mundipewo upenyu mugwara renyu. Chengetai chitsidzo chenyu kumuranda wenyu chamakatsidza kuna vanokutyai. Ndinzvengeseiwo kune kushorwa kwandinotya nokuti zvirongwa zvenyu zvakanaka. Tarisai muone kuti ndinoshuwira mitemo yenyu. Pamusana pokuti makarurama, ndipeiwo upenyu.

Verenga chikamu Nziyo 119