Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 118:5-9

Mapisarema 118:5-9 BDSC

Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura. Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko? Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.