Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura. Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko? Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda. Ndudzi dzose dzakandikomba, asi ndakavaparadza muzita raJehovha. Vakandikomba pamativi ose, asi ndakavaparadza muzita raJehovha. Vakandimomotera senyuchi, asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva, ndakavaparadza muzita raJehovha. Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa, asi Jehovha akandibatsira.
Verenga chikamu Mapisarema 118
Terera ku Mapisarema 118
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 118:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo