Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 118:1-13

Mapisarema 118:1-13 SNA2002

Vongai Jehovha; nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Isiraeri zvino ngavati, “Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Imba yaAroni zvino ngaiti, “Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Avo vanotya Jehovha zvino ngavati, “Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu, Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana. Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko? Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pavanondibatsira; Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga. Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba nomunhu. Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba namachinda. Vahedheni vose vakandikomba; Ndichavaparadza nezita raJehovha. Vakandikomba, zvirokwazvo, vakandikomba, Ndichavaparadza nezita raJehovha. Vakandikomba senyuchi; vakadzimwa somoto weminzwa; Ndichavaparadza nezita raJehovha. Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe; Asi Jehovha akandibatsira.