Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe. Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga. Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona. Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza. Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake. Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje. Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma chirwere chinopedza muviri pamusoro pavo. Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha. Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu. Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa. Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa. Vakatsinhanisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa. Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti, mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku. Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza. Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa. Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha. Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje, achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose. Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.
Verenga chikamu Mapisarema 106
Terera ku Mapisarema 106
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 106:7-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo