Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 106:7-28

Nziyo 106:7-28 SCLB

Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti havana kurangarira mabasa enyu anoshamisa. Havana kuyeuka kuita mwoyochena kwenyu kwakawanda asi vakatopandukira Wokumusorosoro paGungwa Dzvuku. Zvakadaro zvazvo akavanunura pamusana pezita rake kuti aratidze simba rake guru. Akakarira Gungwa Dzvuku rikava napakaoma; akavatungamirira napakadzika sokunge vaiva mugwenga. Nokudaro akavanunura mumaoko omuvengi akavaponesa kusimba remhandu. Mvura yakafukidza vaivarwisa hakuna kana mumwechete wavo akasara. Ndipo pavakatenda mazwi ake vakaimba vachimurumbidza. Asi havana kutana kukanganwa mabasa ake; havana kumirira mazano ake. Asi vakaita makaro murenje, vakaedza Mwari mugwenga. Akavapa zvavakakumbira asi akavatumira denda rinoparadza. Vanhu pavakaitira Mosesi shanje pamatendhe naAroni mutsvene waTENZI. Nyika yakabamuka ikamedza Dhatani ikafukidza vechikwata chokwaAbhiramu. Moto wakabaka muchikwata chavo; rimi romoto rikapisa vakaipa. Vakaumba chimhuru kuHorebhu vakagwadamira chifananidzo chakaumbwa. Mbiri yavaifanira kupa Mwari vakaipa kuchifananidzo chemombe inodya uswa. Vakakanganwa Mwari mununuri wavo akaita zvinhu zvikuru muIjipiti, mabasa anoshamisa munyika yaHamu uye zvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku. Naizvozvo akati regai ndivaparadze pasina kuti Mosesi musarudzwi wake, akatovamiririra pamberi pake kuti adzore hasha dzake arege kuvaparadza. Vakazvidza nyika yakanaka vasina chivimbo nezvaakatsidzira. Vakanyunyuta mumatendhe avo havana kuteerera izwi raTENZI. Nezvo akasimudza ruoko rwake akapika kuti vachatofira murenje imomo uye kuti achamwararisa zvizukuru zvavo mukati mevechirudzi achivaita rumwe rumwe mudzinyika. Vakazvibatanidza naBhaari wokuPeori vakadya zvibayiro zvakapirwa vakafa.

Verenga chikamu Nziyo 106