Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 10:12-18

Mapisarema 10:12-18 BDSC

Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari. Regai kukanganwa vanomanikidzwa. Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?” Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera. Vhunai ruoko rweakaipa nerwomunhu akaipa; ngaazvidavirire pazvakaipa zvake zvakanga zvisingazoonekwi. Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake. Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo, muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.