Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 10:12-18

Mapisarema 10:12-18 SNA2002

Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukanganwa varombo. Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumwoyo wake, “Hangabvunzi?” Mazviona henyu; nokuti munoona kutambudzika nokuchema, kuti muzvibate muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera. Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani. Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake. Jehovha, makanzwa zvinodikanwa navanyoro; Muchasimbisa mwoyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu; Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa.