Simukai, TENZI Mwari simudzai ruoko rwenyu regai kukanganwa vatamburi. Chii chinopa kuti wakaipa ashore Mwari, achizviti, mumwoyo make, Mwari haandiripise. Imi munoona zvenyu, hongu matambudziko nenhamo munozviona; munozvibata kuti muzotsividza noruoko rwenyu, nherera dzinozviisa mumaoko enyu imi mubatsiri wenherera. Tyorai simba roruoko rwowakaipa nomutadzi uipi hwake hutsvakei kusvikira pasisina. TENZI ndimambo nokusingaperi, vechirudzi vachaparara munyika make. TENZI imi muchanzwa chichemo chavarombo. Muchavasimbisa mwoyo muchivarerekerera nzeve yenyu kuti muitire nherera navatamburi ruenzaniso kuitira kuti munhu akabva zvake kuvhu arege kutyisa.
Verenga chikamu Nziyo 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 10:12-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo