Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 8:12-21

Zvirevo 8:12-21 BDSC

“Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera; ndine ruzivo nenjere. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza. Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba. Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama; machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika. Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana. Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama. Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka. Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira, ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.