Zvirevo 8:12-21
Zvirevo 8:12-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera; ndine ruzivo nenjere. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza. Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba. Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama; machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika. Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana. Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama. Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka. Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira, ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.
Zvirevo 8:12-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ini uchenjeri ndakaita kungwara imba yangu, Ndinowana zivo namano akarurama. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; Kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga. Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana; Ndini kuchenjera; ndine simba. Madzimambo anobata ushe neni, Vabati vanotonga vanhu neni. Madzishe anofambisa ushe neni, Navakuru, ivo vatongi vose vapasi. Ndinoda vanondida; Vanonditsvaka nomwoyo wose vachandiwana. Pfuma nokukudzwa zvineni, Zvinokosha zvakaisvonaka nokururama. Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; Zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa. Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa; Kuti ndigarise nhaka vanondida, Ndizadze zvivigiro zvepfuma yavo.
Zvirevo 8:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ini ungwaru ndinogara nouchenjeri, ndine ruzivo uye ndinoziva kusarudza. Kutya Tenzi kunoreva kuvenga uipi, ndinovenga kuzvikudza nokuzvitutumadza nokutaura kusina kururama. Ndine mazano noungwaru kwahwo ndinoziva chinonzi kusarudza uye ndine simba. Madzimambo ndini chavanotongesa nacho uye vatongi vanotema zvakarurama, chavanotema nacho ndini. Machinda chavanotonga nacho ndini uyewo vakuru vakuru, vose vanotonga pasi. Ndinoda vanondida uye vose vanonditsvaka nomwoyo wose vanondiwana. Upfumi norukudzo ndinazvo uye upfumi hunogara uye hunokubudirira. Muchero wangu uri nani pane ndarama kunyange ndarama yakanakisa uye mukoho wangu unokunda sirivha yakanakisisa. Ndinofamba nenzira yoururami namakwara oruenzaniso. Ndinopfumisa vanondida ndichivazadzira matura avo.
Zvirevo 8:12-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ini ʋucenjeri ndakaita kuŋgwara imba yaŋgu, Ndinowana ziʋo namano akarurama. Kutya Jehova ndiko kuʋeŋga ɀakaipa; Kuɀikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyeŋgedzera, ndinoɀiʋeŋga. Ndinezano rakanaka nokuɓata kwakakwana; Ndini kucenjera; ndinesimba. Madzimambo anoɓata ʋushe neni, Ʋaɓati ʋanotoŋga ʋanhu neni. Madzishe anofambisa ʋushe neni, Naʋakuru, iʋo ʋatoŋgi ʋose ʋapasi. Ndinoɗa ʋanondiɗa; Ʋanonditȿaka nomŋoyo wose ʋacandiwana. Fuma nokukudzwa ɀineni, Ɀinokosha ɀakaiȿo‐naka nokururama. Ɀiɓereko ɀaŋgu ɀakanaka kupfuʋura ndarama, kunyaŋge ndarama yakaiȿo‐naka; Ɀandinowana ɀinopfuʋura sirveri yakasarurwa. Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa; Kuti ndigarise nhaka ʋanondiɗa, Ndizadze ɀiʋigiro ɀefuma yaʋo.
Zvirevo 8:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)