Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 8:12-21

Zvirevo 8:12-21 SNA2002

Ini uchenjeri ndakaita kungwara imba yangu, Ndinowana zivo namano akarurama. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; Kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga. Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana; Ndini kuchenjera; ndine simba. Madzimambo anobata ushe neni, Vabati vanotonga vanhu neni. Madzishe anofambisa ushe neni, Navakuru, ivo vatongi vose vapasi. Ndinoda vanondida; Vanonditsvaka nomwoyo wose vachandiwana. Pfuma nokukudzwa zvineni, Zvinokosha zvakaisvonaka nokururama. Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; Zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa. Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa; Kuti ndigarise nhaka vanondida, Ndizadze zvivigiro zvepfuma yavo.

Verenga chikamu Zvirevo 8