Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama, vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima, vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa, vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo. Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake, uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari. Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa. Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu. Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama. Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi; asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.
Verenga chikamu Zvirevo 2
Terera ku Zvirevo 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 2:12-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo